Isaiah 43

Muponesi waIsraeri Mumwe Oga

1Asi zvino, zvanzi naJehovha,
iye akasika iwe Jakobho,
iye akakuumba iwe Israeri:
“Usatya, nokuti ndakakudzikinura;
ndakakudana nezita rako; uri wangu.
2Paunopfuura nomumvura zhinji
ini ndichava newe;
uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri.
Paunofamba nomumoto, haungazotsvi;
murazvo haungazokupisi.
3Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako,
Mutsvene waIsraeri, Muponesi wako;
ndinopa Ijipiti kuti ive rusununguko rwako,
Etiopia neShebha pachinzvimbo chako.
4Sezvo uchikosha uye uchikudzwa pamberi pangu,
uye nokuti ndinokuda,
ndichaisa vanhu panzvimbo yako,
namarudzi avanhu pachinzvimbo choupenyu hwako.
5Usatya, nokuti ndinewe;
ndichauyisa vana vako kubva kumabvazuva,
ndichakuunganidzai kubva kumavirira.
6Ndichati kurutivi rwokumusoro, ‘Varegedze!’
uye kurutivi rwezasi, ‘Usavadzivisa.’
Uyisai vanakomana vangu kubva kure,
uye navanasikana vangu vabva kumigumo yenyika,
7vose vanodanwa nezita rangu,
vandakasikira kukudzwa kwangu
vandakaumba uye ndikaita.”
8Uyai neavo vane meso asi vari mapofu,
vane nzeve asi vari matsi.
9Ndudzi dzose ngadziungane pamwe chete,
uye marudzi ngaaungane.
Ndianiko pakati pavo akati izvi zvichaitika,
akatiparidzira zvinhu zvakare?
Ngavauye nezvapupu zvavo kuti zvionekwe kuti havana mhosva,
kuitira kuti vamwe vanzwe vagoti, “Ichokwadi.”
10“Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“uye nomuranda wangu wandakasarudza,
kuti mugoziva uye mugonditenda
uye mugonzwisisa kuti ndini iye.
Hakuna kumbova nomumwe mwari akaumbwa ndisati ndavapo,
uye hakuchazova nomumwe shure kwangu.
11Ini, iyeni, ndini Jehovha,
uye kunze kwangu hakuna muponesi.
12Ini ndakaratidza ndikaponesa, ndikaparidza,
ini, kwete vamwe vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu.
Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti, “ndini Mwari.
13Hongu, kubva pamazuva akare ndini iye.
Hakuna angarwira munhu muruoko rwangu.
Pandinoita chinhu, ndianiko angachikonesa?”

Ngoni dzaMwari noKusatendeka kwaIsraeri

14Zvanzi naJehovha,
Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsraeri:
“Ndichatuma vanhu kuBhabhironi nokuda kwenyu,
uye ndichaburitsa vaBhabhironi vose vachitiza,
muzvikepe zvavaidada nazvo.
15Ndini Jehovha, Mutsvene Wenyu,
Musiki waIsraeri, Mambo wenyu.”

16Zvanzi naJehovha,
iye akaita nzira pakati pegungwa,
nenzira mukati memvura zhinji,
17iye akabudisa ngoro namabhiza,
hondo pamwe chete nezvinosimbisa,
vakavata ipapo, havana kuzombomukazve,
vadzimwa, vadzimwa somwenje:
18“Chikanganwai zvinhu zvakare;
musaramba muri pane zvakapfuura.
19Tarirai, ndava kuita chinhu chitsva!
Zvino chava kumera; hamuchioni here?
Ndiri kuita nzira mugwenga
nehova musango.
20Zvikara zvesango zvinondikudza,
makava namazizi,
nokuti ndinozvipa mvura mugwenga
nehova musango,
kuti ndipe vanhu vangu chokunwa, vasanangurwa vangu,
21vanhu vandakazviumbira,
kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.

22“Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakobho;
hauna kuzvinetesa nokuda kwangu, iwe Israeri.
23Hauna kundivigira makwai ezvipiriso zvinopiswa,
kana kundikudza nezvibayiro zvako.
Handina kukuremedza nezvipiriso zvezviyo,
kana kukunetesa nokuda zvinonhuhwira.
24Hauna kundivigira kana zvinotapira,
kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako.
Asi wakandiremedza nezvivi zvako
uye ukandinetesa nokudarika kwako.

25“Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako,
nokuda kwangu,
handizorangaririzve zvakaipa zvako.
26Ndiyeuchidze zvakapfuura,
ngatitaurirane nyaya iyi pamwe chete;
zvipupurire kuti hauna mhosva.
27Tateguru wako akatadza;
vamiririri vako vakandimukira.
28Naizvozvo ndichanyadzisa vanokudzwa vomutemberi yako,
uye ndichaita kuti Jakobho aparadzwe
uye Israeri asekwe.
Copyright information for SnaBDSC